Matthew 11

1Zvino zvakaitika apo Jesu apedza kuraira vadzidzi vake gumi nevaviri, akabvira ipapo kudzidzisa nekuparidza pamaguta avo.

Johwani Mubhabhatidzi anotuma vadzidzi kunobvunza Jesu

2Zvino Johwani wakati anzwa ari mutirongo mabasa aKristu, akatuma vaviri vevadzidzi vake, 3akati kwaari: Imwi ndimwi anouya here, kana titarisire umwe? 4Jesu akapindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvinhu zvamunonzwa nezvamunoona: 5Mapofu anoonazve, uye mhetamakumbo dzinofamba, vane maperembudzi vanonatswa, nevematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, nevarombo vanoparidzirwa evhangeri; 6wakaropafadzwa ani nani asingagumbuswi neni.

7Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza zvaunga pamusoro paJohwani akati: Makange mabuda kurenje kunoonei? Rutsanga rwunozungunuswa nemhepo here? 8Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanopfeka zvakapfava vari mudzimba dzemadzimambo. 9Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange anopfuura kwazvo muporofita; 10nokuti uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako. 11Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna kumuka pakati pevakaberekwa nevakadzi mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi. Asi mudikisa muushe hwekumatenga mukuru kwaari. 12Uye kubva pamazuva aJohwani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwekumatenga hunopambiwa, nevapambi vanohutora nesimba. 13Nokuti vaporofita vese nemurairo vakaporofita kusvikira kuna Johwani; 14zvino kana muchida kuzvigamuchira, uyu ndiye Eria wakange achizouya. 15Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.

16Asi ndicharifananidza nei zera iri? Rakafanana nevana vagere pamisika, vachidanidzira kushamwari dzavo, 17vachiti: Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takakuririrai, asi hamuna kuchema. 18Nokuti Johwani wakauya asingadyi kana kunwa, asi vanoti: Ane dhimoni. 19Mwanakomana wemunhu wakauya achidya, achinwa, zvino vanoti: Tarirai munhu anokara uye munwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi. Asi njere dzinonzi dzakarurama nevana vadzo.

Jesu anotsiura maguta matatu akamuramba

20Ipapo akatanga kutsiura maguta makange maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati: 21Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga nedota. 22Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuTire neSidhoni nezuva rekutongwa kupfuura imwi. 23Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi muhadhesi; nokuti dai akaitwa muSodhoma mabasa esimba akaitwa mauri, vangadai vachipo kusvikira zuva rino. 24Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kunyika yeSodhoma nezuva rekutongwa kupfuura iwe.

Jesu anorumbidza Baba

25Nenguva iyo Jesu akapindura akati: Ndinokutendai, Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara, mukazvizarurira vacheche. 26Hongu Baba, nokuti zvakadaro zvakava zvakanaka pamberi penyu. 27Zvinhu zvese zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba; hakunazve anoziva Baba kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanenge achida kuzarurira.

Jesu anokoka vatadzi

28Uyai kwandiri mese makaneta makaremerwa, uye ini ndichakupai zororo. 29Torai joko rangu muise pamusoro penyu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro, ndakaderera mumoyo; uye muchawana zororo pamweya yenyu; 30nokuti joko rangu rakanakisa, nemutoro wangu wakareruka.

Copyright information for Shona